1
Nziyo 139:14
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Ndinokurumbidzai nokuti munotyisa uye munoshamisa. Mabasa enyu anoshamisa munonyatsondiziva.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Nziyo 139:23-24
Ndiongororeiwo Mwari muzive zviri mumwoyo mangu. Ndiedzei muzive zvandinofunga muone kana mune chakaipa mandiri munditungamirire munzira yokugara nokugara.
3
Nziyo 139:13
Nokuti ndimi makaumba nhengo dzangu dzomukati-kati. Ndimi makandiruka munhumbu maamai vangu.
4
Nziyo 139:16
Makandiona nemeso nhengo dzangu dzisati dzaumbwa. Dzakanga dzanyorwa mubhuku menyu dzikazoumbwa panguva yadzo kusvikira dzose dzapera.
5
Nziyo 139:1
TENZI makandiongorora mukandiziva.
6
Nziyo 139:7
Kwandingaende ndokupiko, kusina Mweya wenyu uye ndingatizire kupiko kwamusiri
7
Nziyo 139:2
Munoziva mafambiro namagariro munonzwisisa pfungwa dzangu imi muri kure zvenyu.
8
Nziyo 139:4
nokuti izwi risati rambove parurimi rwangu, imi TENZI munenge matonyatsoriziva.
9
Nziyo 139:3
Imi munocherechedza kufamba kwangu nokurara kwangu uye munoziva nzira dzangu dzose
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo