1
Ruka 3:21-22
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Vakati zvino vanhu vose vaombekwa, Jesu akaombekwawo. Achingunonamata denga rakazaruka, Mweya Mutsvene, aine muviri unenge wenjiva, akaburukira paari; izwi ndokubva kudenga richiti, “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo ndiwe unondifadza zvikuru.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ruka 3:16
Johani akavapindura vose achiti; “Hongu, ini ndinokuombekai nemvura, asi ane simba kupfuura ini ari kuuya. Ini handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake. Iye achakuombekai naMweya Mutsvene uye nomoto.
3
Ruka 3:8
Naizvozvo berekai michero inowirirana nokupinduka kwenyu, uye musavambe kuzviti, ‘Tina Abhurahamu sababa vedu, nokuti ndinoti kwamuri, Mwari anogona kumutsira Abhurahamu vana kubva kumatombo aya.
4
Ruka 3:9
Zvino demo ratonangiswa parinotema midzi yemiti; naizvozvo muti wose usingabereki muchero wakanaka unotemwa uchikandwa mumoto.’ ”
5
Ruka 3:4-6
Sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku ramazwi aIsaya muporofita zvichinzi, “Izwi reanodaidzira ari mugwenga achiti: ‘Gadzirirai mugwagwa waTenzi, ruramisai nzira dzake. Nhika dzose ngadzifusirwe, makomo nezvikomo zviparadzirwe; pakakombama paruramiswe nzira dzina magadhi dzinzi chechetere. Vanhu vose vachaona ruponeso rwaMwari.’ ”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo