“Kana ukatsaukana neSabata
worega kuita zvaunoda
pazuva rangu rinoera,
wava kuti Sabata,
izuva rinofadza,
uyewo wava kuti
zuva rinoera raTenzi
rinoremekedzeka,
kana ukariremekedza
usingaite zvomusoro wako
uchiita zvaunoda
uchidya zvako nyaya.
“Ipapo Tenzi achava rufaro rwako,
panyika ndichakuita kuti
uve wapamusorosoro chaipo
ndichiita kuti udye,
nhaka yababa vako Jakobho
nokuti ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.”