1
Isaya 30:21
Bhaibhiri Idzva rechiShona
uye kuti pamunenge mava kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe muchatonzwa inzwi munzeve dzenyu richiti, “Nzira ndeyiyi itevedzei iyoyo.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 30:18
Naizvozvo Tenzi anomirira kuti akuitirei zvakanaka. Naizvozvo anofarira kwazvo kukuitirai tsitsi nokuti Tenzi ndiMwari woruenzaniso. Vakakomborerwa zvavo vose vanomumirira.
3
Isaya 30:15
nokuti zvanzi naTenzi Mwari, iye Anoera waIsiraeri, “Ruponeso rwenyu ruri mukudzokera kwenyu kwandiri nomukuzviisa kwenyu mumaoko mangu. Simba renyu riri mukunyarara nokuvimba neni,” asi imi munoramba
4
Isaya 30:20
Kunyange zvazvo Tenzi achikuitai kuti zvimhingamupinyi zvive chokudya chenyu nhamo iri mvura yenyu yokunwa, Mudzidzisi wenyu haachazvivanzi kwamuri. Asi kuti imi nameso enyu muchatoona Mudzidzisi wenyu
5
Isaya 30:19
Hongu, imi vanhu veZioni munogara muJerusaremu hamuchazombochemazve. Achanyatsokuitirai nyasha paanonzwa kuchema kwenyu, paanongokunzwai achakupindurai.
6
Isaya 30:1
Zvanzi naTenzi, “Mune nhamo imi, mhandupandu dzavanhu. Munotoita zvenyu zvamunenge maronga imi Musingaite zvangu ini. Munotoita zvenyu bangano risinei zvaro nemweya wangu muchitowedzera zvenyu chitadzo pamusoro pechimwe chitadzo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo