1
Kutsinhira Mutemo 28:1
Bhaibhiri Idzva rechiShona
“Kana mukateerera zvinorehwa naTenzi Mwari wenyu mukanyatsochengeta mirao yose yandiri kukuudza nhasi uno, Tenzi Mwari wako achakusimudzirai pamusoro kupfuura ndudzi dzose dzavanhu dzapasi pano.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Kutsinhira Mutemo 28:2
Kana ukateerera zvinorehwa naTenzi Mwari wako, makomborero ose aya achauya kwauri achiita zvokunaya pauri.
3
Kutsinhira Mutemo 28:13
Tenzi achakuitai musoro, kwete muswe. Ucharamba uchibudirira chete, usingakundikane, ndokunge wateerera mirao yaTenzi Mwari wako yandiri kukupa nhasi uno wanyatsoichengetawo.
4
Kutsinhira Mutemo 28:12
Tenzi achakuzarurira matura oupfumi hwake hwakanaka hwokumatenga achikunayisira mvura mumunda mako nenguva yayo chaiyo nokukomborera basa rose raunobata. Uchakweretesa ndudzi zhinji dzavanhu, asi iwe usina chaunokwereta kwavari.
5
Kutsinhira Mutemo 28:7
“Tenzi achaita kuti vavengi venyu vanenge vakumukirai vakurirwe. Vachakuvingai vakatungamidzana, asi muchavaitisa chimwandamwanda.
6
Kutsinhira Mutemo 28:8
“Tenzi achakomborera basa rako. Achazadza matura ako. Achakukomborera munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako.
7
Kutsinhira Mutemo 28:6
“Muchakomborerwa mune zvose zvamuchaita.
8
Kutsinhira Mutemo 28:3
“Muchakomborerwa mumaguta menyu nomumaruwa menyu.
9
Kutsinhira Mutemo 28:4
“Muchakomborerwa nokupiwa vana vakawanda, nembesa zhinji muminda yenyu, nemhuka dzakawanda. Zvipfuwo zvako zvichaita matanga namatanga, vana vezvimwe zvipfuwo zvako vachiita gumi nefararira.
10
Kutsinhira Mutemo 28:9
“Tenzi achakuitai rudzi rwavanhu vake pachake vatsvene maererano nemhiko yaakakuitirai, ndokungewo machengeta mirao yaTenzi Mwari wenyu nokufamba munzira dzake.
11
Kutsinhira Mutemo 28:5
“Muchakomborerwa zvokuti matengu enyu achagara akati pamu pamu kuzara, mutsero dzenyu hamuzomboshayikwa chirimo.
12
Kutsinhira Mutemo 28:11
Tenzi achakupfumisa achikupa vana vakawanda, nezvipfuwo zvizhinji nembesa zhinji, munyika yakatsidzirwa madzibaba ako naTenzi kuzokupa.
13
Kutsinhira Mutemo 28:10
Naizvozvo ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano vachaona kuti munodaidzwa nezita raTenzi. Vachakutyai.
14
Kutsinhira Mutemo 28:14
Regawo kutsautsira pane murao upi noupi zvawo pamirao yandiri kukuudza nhasi, woita zvomusoro wako wotevedza vamwe vamwari uchivashandira.
15
Kutsinhira Mutemo 28:15
“Asi kana mukarega kuzoteerera zvataurwa naTenzi Mwari wenyu, kana kuchengeta mitemo nemirao yandiri kukupai nhasi uno, rushambwa irworwu rwose ruchakutibikirai.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo