1
1 Samueri 17:45
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Dhavhidhi ndokuti kumuFirisitia, “Iwe uri kundivinga nebakatwa nepfumo nemharu, asi ini ndiri kukuvinga muzita raTenzi Samasimbaose, Mwari wehondo dzavaIsiraeri waunoshora.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Samueri 17:47
Uyewo kuti gungano iri rose rizive kuti Tenzi haanunure vanhu nebakatwa kana nepfumo nokuti hondo iri mumaoko aTenzi. Atokuisai mumaoko medu.”
3
1 Samueri 17:37
Dhavhidhi akati, “Tenzi nyakumbondinunura mukanwa meshumba nebere achandinunurawo mumaoko omuFirisitia iyeyu.”. Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda zvako Tenzi ngaave newe.”
4
1 Samueri 17:46
Nhasi uno Tenzi achakuisa mumaoko angu, ndichakuuraya ndokudimura musoro. Iye nhasi uno wakare ndichapa zvitunha zvehondo yavaFirisitia kushiri dzedenga nokuzvikara zvapasi pano zvigozivikanwa pasi pose kuti muIsiraeri muna Mwari.
5
1 Samueri 17:40
Akatora tsvimbo yake mumaoko ndokusarudza tunhombo twakaurungana tushanu mukakova ndokutuisa muhomwe yomunhava yake ndokunanairira muFirisitia uya aine chimviriri chake mumaoko.
6
1 Samueri 17:32
Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ngaparege kuwana munhu anorasa mwoyo pamusana pomunhu uyu. Ini muranda wenyu ndichaenda ndindorwisa muFirisitia uyu.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo