1
Zvakaratidzwa 16:15
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
“Tarisai muone ndichauya sembavha; akakomborerwa munhu anenge akasvinura, achichengeta hanzu dzake kuti arege kufamba akadaro ari mutwi achionererwa.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvakaratidzwa 16:12
Mutumwa wechitanhatu akadururira ndiro yake parukova rukuru rweYufuratesi mvura yarwo ikabva yapwa kugadzirira madzimambo okumabvazuva nzira.
3
Zvakaratidzwa 16:14
Iyoyi mweya yakaipa inoita zvishamiso inofamba nenyika yose kumadzimambo apasi pano ichivakokorodzera hondo yapazuva guru raMwari Samasimbaose.
4
Zvakaratidzwa 16:13
Ndakaonawo mumuromo mezigaranyanya riya nomumuromo mechikara chiya uye nomumuromo womuporofita wenhema muchibuda mweya mitatu yakaipa yakaita samatatya.
5
Zvakaratidzwa 16:9
Vanhu vakapiswa nokupisa kunotyisa kwazvo. Vakashonha zita raMwari aiva nesimba pamusoro pepfumvu uye havana kupinduka kuti vamurumbidze.
6
Zvakaratidzwa 16:2
Saizvozvo mutumwa wokutanga akaenda akadururira ndiro yake panyika. Vanhu vaya vakanga vaine mucherechedzo wechikara vakagwadama vachinamata chifananidzo chacho, vakaita maronda anonyeka akaipisisa.
7
Zvakaratidzwa 16:16
Mweya iyoyo ichaunganidza madzimambo aya kunzvimbo inonzi Amagedhoni muchiHebheru.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo