1
Zvakaratidzwa 1:8
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Ndini Arifa naOmega ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari, iye aripo, akanga aripo uye achazovapo, iye Samasimbaose.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvakaratidzwa 1:18
Ndini mupenyu uya, hongu ndakambofa zvangu asi tarisa uone ndava mupenyu nokusingaperi uye ndine kii dzorufu nedzokunzvimbo yavafi.
3
Zvakaratidzwa 1:3
Akakomborerwa zvake uyo anoverenga mazwi okuporofita aya. Vakakomborerwawo vanonzwa uye vanochengeta zvakanyorwamo nokuti nguva yavapedyo.
4
Zvakaratidzwa 1:17
Pandakamuona ndakawira pasi patsoka dzake sokunge ndafa, asi iye akaisa ruoko rwake rworudyi pandiri achiti, “Usatye, ndini Wokutanga noWokupedzisira.
5
Zvakaratidzwa 1:7
Hezvo achauya ari mumakore. Ziso rose richamuona nomunhu wose akamubaya uye marudzi ose apasi pano achamuchema zvikuru. Ngazvive saizvozvo. Ameni.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo