1
Nziyo 18:2
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
TENZI ndiye bako rangu, ndiye nhare nomununuri wangu. Mwari wangu ndiye bako rangu, maari ndimo mandinopotera. Ndiye nhoo yangu, ndiye ane simba rokundiponesa ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Nziyo 18:30
Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi inhoo yavose vanopotera kwaari.
3
Nziyo 18:3
Ndinodaidzira kuna TENZI; iye anofanira kurumbidzwa, ndinobva ndatonunurwa kuna vanondivenga.
4
Nziyo 18:6
Munhamo yangu iyi ndakachema kuna TENZI. Ndakachema kuna iye Mwari wangu, kuti andibatsire muTemberi yake, iye akanzwa izwi rangu, kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake.
5
Nziyo 18:28
Sezvo imi TENZI murimi mwenje wangu, imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima
6
Nziyo 18:32
Ndiye Mwari akandipa simba akaita kuti nzira yangu ifambike.
7
Nziyo 18:46
TENZI mupenyu, iye dombo rangu, ngaarumbidzwe, ngaatunhidzwe Mwari, muponesi wangu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo