Zvanzi naTenzi
“Iwe Isiraeri kana wafunga zvokudzoka,
kwandiri ndokwaunofanira kudzokera.
Kana ukabvisa pandiri pangu zvinondisemesa izvi
usingaite mwoyo miviri
uye kana ukapika uchiti,
‘NaTenzi chaiye mupenyu’
uchipika pachokwadi zviri pamwero chaipo
zviri mukururama, ndudzi dzavanhu
ndopadzichazviwanira zvikomborero pamusana pako;
vachiwana mbiri pamusana pako.”