1
Vatongi 16:20
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Akadaidzira achiti, “Samusoni, hokoyo navaFirisitia.” Samusoni akati vharavhazhu kumuka ndokuti, “Ndichazvizunza ndigopunyuka sezvandanga ndichingoita,” asingazivi kuti Tenzi akanga atomusiya.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Vatongi 16:28
Ipapo Samusoni akachema kuna Tenzi achiti, “Tenzi Mwari, ndiyeukeiwo, ndateterera mundisimbisewo kwanhasi uno chete Mwari, ndapota zvangu ndibve ndangotsividza kamwechete vaFirisitia maziso angu ari maviri.”
3
Vatongi 16:17
Ndipo paakazodura pachena zvaiva mumwoyo make achiti, “Musoro wangu uyu hausati wamboveurwa nechisvo nokuti ndiri muNaziri akatsaurirwa Mwari kubvira pakuberekwa kwangu. Kana ndikangoveurwa musoro chete, simba rangu rinobva raenda ndichibva ndasara ndisisina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.”
4
Vatongi 16:16
Dheraira akaramba achimunetsa zuva nezuva nezvaaitaura kusvikira Samusoni aneta zvokukungura kufa.
5
Vatongi 16:30
Ndokubva Samusoni, ati, “Chiregai ndichifa zvangu pamwechete navaFirisitia.” Akakotama nesimba rake rose, imba ikabva yati ririri kuwira pamusoro pamadzishe ose navanhu vose vaivamo. Nokudaro vanhu vaakauraya pakufa kwake vakanga vakawanda kwazvo kupfuura vaakambouraya achiri mupenyu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo