1
Isaya 66:2
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Zvose izvozvi ndini ndakazviita noruoko rwangu? Ipapo zvose izvi ndezvangu ndizvo zviri kutaura Tenzi, asi munhu wandinocheuka munhu akadai izvi: munhu anozvidukupisa ane mwoyo wokutendeuka anodedera izwi rangu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 66:1
Zvanzi naTenzi, “Denga ndiro chigaro changu choushe, nyika iri iyo pokuisa tsoka dzangu. Imba yorudzii yamungandivakire, inzvimboi inganzi ndeyangu yokuzororera?
3
Isaya 66:13
Semwana ari kunyaradzwa naamai vake ndokunyaradza kwandichakuitawo imi. Muchanyaradzwa muri muJerusaremu.
4
Isaya 66:22
“Ndinodaro nokuti sezvazvichangoita kuti denga idzva nenyika itsva zvandichasika zvicharamba zviri pandiri. Ndizvo zviri kutaura Tenzi, ndozvichangoitawo zvizvarwa zvenyu nezita renyu zvicharamba zvichingovapo.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo