1
Isaya 54:17
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Hakuna chombo chokurwisa chichagadzirirwa iwewe chichakwanisa kuita basa racho, uye uchakonesa munhu wese anenge akukwirira dare. Iyoyi iyi ndiyo nhaka yevaranda vaTenzi uye ndokuvatsigira kwandinoita.” Ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 54:10
Ndinodaro nokuti makomo angabve zvawo paanenge ari, zvikomo zvikatozunguzika zvazvo; asi mwoyochena wangu kwauri iwe, hauzombobva uye chitenderano changu newe, chorugare, hachizombozunguziki ndizvo zviri kutaura Tenzi ane rudo newe.”
3
Isaya 54:4
“Rega zvako kutya nokuti hausi kuzombonyara, rega zvako kutenderedzwa musoro nazvo nokuti hausi kuzombonyadziswa pamusana pokuti zvakakunyadzisa uchiri mudiki, uchatozvikanganwa uye kushorwa kwako pamusana pouchirikadzi hausi kuzombokuyeuka
4
Isaya 54:5
nokuti Musiki wako ndiye murume wako Tenzi wehondo nehondo ndiro zita rake iroro, uye Anoera weIsiraeri ndiye Mununuri wako iye anonzi Mwari wapasi pose.
5
Isaya 54:2
Kudza-kudza tendhe rako udhadhanure machira emaunogara okudzikatirisa usaregedze zvako rebesa tambo dzako, hoko dzako ngadzinyatsoti ndendende kusimba
6
Isaya 54:13
Vana vako vose vachadzidziswa naTenzi, vana vako vachapfuma zviya zvokupfuma zviya.
7
Isaya 54:8
Nokungoti virukei kwechinguva kwandakanga ndaita nehasha, ndakakupa gotsi. Asi norudo rusingaperi ndichakunzwira tsitsi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mununuri wako.
8
Isaya 54:7
Ndakambokuti furatirei kwechinguva, asi nengoni dzangu dzakawanda kudai ndichakuunganidzai.
9
Isaya 54:9
“Ndinodaro nokuti kwandiri ini, mazuva ano iwaya achaita semazuva aNowa andakatsidza kuti mafashamo aNowa haafaniri kuzombovazve panyika. Nokudaro ndinotsidza kuti handichazombokushatirirwazve kana kuzombokutsiudzazve.
10
Isaya 54:12
“Zvisuvi zvako ndichazviita nematombo anokosha eageti misuo yenyu mikuru ndichiita nematombo anokosha ekabhinikuru rusvingo rwako rwese ndichiruita namatombo anokosha.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo