1
2 Pita 2:9
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Nezvo, Tenzi anoziva kununura vanamati pazviedzo uye kuchengeta vasakarurama vari pachirango kusvikira pazuva rokutongwa
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 Pita 2:21-22
Zvaitova nani kwavari dai vakanga vasina kumboziva zvavo nzira yoururami panze pokuiziva vozodzokera shure vachibva kumutemo unoera wavakapiwa. Zvinorehwa netsumo zvinenge zvava zvechokwadi zvinoti: “Imbwa inodya marutsi ayo. Uye Nguruve inenge yashambidzwa inoenda kundoumburuka mumatope.”
3
2 Pita 2:19
Vanovatsidzira rusununguko asi ivo vari varanda vokuora, nokuti munhu anokundwa nechinhu anova muranda wechinhu ichocho.
4
2 Pita 2:20
Nokuti kana vapunyuka zvinosvibisa panyika pamusana pokuziva Tenzi wedu noMuponesi Jesu Kristu, vanobatwazve nazvo nokukurirwa nazvo. Magumo avo anoipa kupinda aya.
5
2 Pita 2:1
Vaporofita venhema vakamukawo pakati pavanhu. Saizvozvowo pakati penyu, pachamukawo vadzidzisi venhema vachaunza, muchivande zvidzidziso zvenhema zvinoparadza vachitoramba Tenzi wakavatenga vachizviunzira kuparadzwa kwechimbi–chimbi.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo