1
1 Pita 5:7
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Turirai zvinokudyai mwoyo zvose kwaari nokuti anehanya nemi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Pita 5:10
Mushure mokunge mambotambudzika kwechinguva, Mwari wenyasha dzose, iye akakudaidzai kumbiri yake isingaperi muna Kristu, iye pachake achakudzorerai kuva zvamunofanira kunge muri, mudzike midzi, achikusimbisai.
3
1 Pita 5:8-9
Garai makagadzikana makarindira, mhandu yenyu Satani anobvongodza kose kose seshumba inodzvova ichitsvaka waingadye. Murwisei, makasimba muchitendero chenyu, muchiziva kuti kutambudzika kumwecheteko kunofanira kutirirwa nevehama pasi pose.
4
1 Pita 5:6
Nokudaro zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba kuti nenguva yakafanira azokupembedzai zvikuru.
5
1 Pita 5:5
Naizvozvowo nemi vadiki vacho ivai pasi pavakuru–vakuru. Pfekai mose kuzvidukupisa mumwe achizvininipisa kune mumwe nokuti Mwari anorwisana navanozvikudza achitsigira nenyasha vanozvininipisa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo