1
1 Pita 2:9
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Asi imi muri rudzi rwakasarudzwa, vapristi vokumba huru, rudzi runoera, vanhu vaMwari kuti muparidze mabasa anoshamisa ouya akakudaidzai kuti mubve murima muchipinda muchiedza chake chinoshamisa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Pita 2:24-25
Iye akatakura zvitadzo zvedu mumuviri wake pamuti kuti isu zvokutadza tisiyanenazvo tigare upenyu hwoururami. Makarapwa namaronda ake nokuti makanga muchitetereka sehwai asi iye zvino makadzokera kuMufudzi noMuchengeti wemweya yenyu.
3
1 Pita 2:10
Makambenge musiri rudzi, asi iye zvino mava rudzi rwaMwari. Makambenge musina kuitirwa tsitsi asi zvino makaitirwa tsitsi.
4
1 Pita 2:2
Savacheche vatsva vachangoberekwa suwirai mukaka chaiwo wezvemweya kuti nawo mukure kusvika kuruponeso.
5
1 Pita 2:11-12
Vadikanwi ndinokukurudzirai savauyi navatorwa kuti musiyane nehavi dzomuviri dzinorwisana nemweya wenyu. Ivai nomugariro wakanaka mukati mevechirudzi kuti kana vakakurevai savanhu vanoita zvakaipa vazoona mabasa enyu akanaka vagorumbidza Mwari paanokushanyirai.
6
1 Pita 2:5
imiwo uyai samatombo mapenyu muvakwe kuva Temberi yemweya, muve vapristi vatsvene kuti nokuna Jesu Kristu mupire zvibayiro zvemweya zvinogamuchirika pana Mwari nokuna Jesu Kristu.
7
1 Pita 2:1
Saizvozvo chibvisai uipi hwose nokunyengedza kose nokubata vanhu kumeso neshanje nokunyomba kose.
8
1 Pita 2:4
Uyai kwaari, iye Dombo Benyu rakarambwa navanhu asi pana Mwari rakasarudzwa uye rinokosha
9
1 Pita 2:16
asi garai savaranda vaMwari.
10
1 Pita 2:15
Chikonzero chacho ndechokuti, nokuita zvakanaka munopwisa kutaura kusina maturo kwavanhu vasina zvavanoziva. Garai savanhu vanerusununguko, asi musingasevenzesi rusununguko rwenyu sechinhu chokuhwanda nacho mukuita zvakaipa
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo