1
Zvakazarurwa 11:15
Shona Bible 1949, revised 2002
Zvino mutumwa wechinomwe akaridza; mazwi makuru akavapo kudenga, achiti, “Ushe hwenyika hwava hwaIshe wedu, naKristu wake; uchahubata nokusingaperi-peri.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvakazarurwa 11:18
Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika, nenguva yavakafa, kuti vatongwe, uye kuti mupe varanda venyu mubayiro, ivo vaporofita, navatsvene, navanotya zita renyu, vaduku navakuru; uye kuti muparadze avo vanoparadza nyika.”
3
Zvakazarurwa 11:3
Ndicharaira zvapupu zvangu zviviri kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva ane chiuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.”
4
Zvakazarurwa 11:11
Zvino mazuva matatu nehafu akati apfuura, mweya woupenyu, wakabva kuna Mwari, ukapinda mukati mavo, vakamira netsoka dzavo, kutya kukuru kukawira vose vakavaona.
5
Zvakazarurwa 11:6
Vane simba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vane simba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namadambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.
6
Zvakazarurwa 11:4-5
Ava ndiyo miorivhi miviri nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paIshe wenyika. Kana kunomunhu anoda kuvakuvadza, moto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kuno munhu anoda kuvakuvadza, anofanira kuurawa saizvozvo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo