1
Mapisarema 31:24
Shona Bible 1949, revised 2002
Ivai nesimba, uye mwoyo yenyu itsunge, Imi mose munorindira Jehovha.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 31:15
Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu; Ndirwirei paruoko rwavavengi vangu, nokuna vanonditambudza.
3
Mapisarema 31:19
Haiwa, zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei, Zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi pavanakomana vavanhu!
4
Mapisarema 31:14
Asi ndakavimba nemi Jehovha; Ndakati, “Ndimi Mwari wangu.”
5
Mapisarema 31:3
Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu; Naizvozvo nditungamirirei mundifambise nokuda kwezita renyu.
6
Mapisarema 31:5
Ndinoisa mweya wangu muruoko rwenyu; Makandidzikinura Jehovha, imi Mwari wazvokwadi.
7
Mapisarema 31:23
Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose; Jehovha anochengeta vakatendeka, Anotsiva zvikuru munhu anozvikudza.
8
Mapisarema 31:1
Jehovha, ndinovimba nemi; ngandirege kutongonyadziswa; Ndirwirei pakururama kwenyu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo