1
Mapisarema 107:1
Shona Bible 1949, revised 2002
“Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 107:20
Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa, Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo.
3
Mapisarema 107:8-9
Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Nokuti anogutisa mweya, une nyota, Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka.
4
Mapisarema 107:28-29
Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye ndokuvabudisa pamadambudziko avo. Anonyaradza dutu remhepo, Mafungu aro ndokunyarara.
5
Mapisarema 107:6
Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, Iye akavarwira panjodzi dzavo.
6
Mapisarema 107:19
Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye anovaponesa pamadambudziko avo.
7
Mapisarema 107:13
Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo, Akavaponesa pamadambudziko avo.
YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo