1
Mapisarema 103:2
Shona Bible 1949, revised 2002
Rumbidza Jehovha, mweya wangu, Urege kukanganwa mikomborero yake
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 103:3-5
Iye, anokanganwira zvakaipa zvako zvose; Anoporesa kurwara kwako kwose; Anodzikinura hupenyu hwako pakuparadzwa; Anokuisa korona younyoro nengoni; Anogutisa mwoyo wako nezvakanaka; Kuti utsva hwako huvandudzwe segondo.
3
Mapisarema 103:1
Rumbidzai Jehovha, mweya wangu; Zvose zviri mukati mangu ngazvirumbidze zita rake dzvene.
4
Mapisarema 103:13
Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, Saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya.
5
Mapisarema 103:12
Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, Saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu.
6
Mapisarema 103:8
Jehovha anetsitsi nenyasha, Haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji.
7
Mapisarema 103:10-11
Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, Kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, Ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya.
8
Mapisarema 103:19
Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga-denga; Ushe hwake hunobata zvinhu zvose.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo