1
Zvirevo 3:5-6
Shona Bible 1949, revised 2002
Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvirevo 3:7
Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa
3
Zvirevo 3:9-10
Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana; Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva.
4
Zvirevo 3:3
Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romwoyo wako
5
Zvirevo 3:11-12
Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; Usaneta nokuraira kwake. Nokuti Jehovha anoraira mudikanwa wake; Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira.
6
Zvirevo 3:1-2
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; Asi mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu; Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare.
7
Zvirevo 3:13-15
Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere. Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokupfuma nahwo kunopfuura kupfuma nendarama. Unokosha kupfuura korari; Hakune pfuma yako ingaenzaniswa nahwo.
8
Zvirevo 3:27
Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.
9
Zvirevo 3:19
Jehovha akateya pasi nouchenjeri; Wakasimbisa kudenga-denga nenjere.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo