1
Zvirevo 20:22
Shona Bible 1949, revised 2002
Usati, “Ndachatsiva zvakaipa;” Mirira Jehovha, iye achakuponesa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvirevo 20:24
Kufamba kwomunhu kunobva kuna Jehovha; Zvino munhu anganzwisisa seiko nzira yake?
3
Zvirevo 20:27
Mweya womunhu mwenje waJehovha; Anonzvera zvose zviri mukati-kati.
4
Zvirevo 20:5
Mano mumwoyo womunhu angaita semvura yakadzika; Asi munhu wenjere achaichera.
5
Zvirevo 20:19
Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Saka usashamwaridzana nomunhu anoshamisa miromo yake.
6
Zvirevo 20:3
Munhu anokudzwa kana achigara kure nokukakavara; Asi benzi rimwe nerimwe rinokakavara.
7
Zvirevo 20:7
Munhu akarurama, anofamba muzvokwadi yake, Vana vake vanomutevera vacharopafadzwa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo