1
Mika 3:8
Shona Bible 1949, revised 2002
“Asi kana ndirini, ndizere nesimba pamwechete noMweya waJehovha, nokutonga nokutsunga, kuti ndiparidzire Jakobho kudarika kwavo, uye Isiraeri zvivi zvavo.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mika 3:11
Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vapristi varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, vaporofita varo vanouka kuti vapiwe mari; kunyange zvakadaro vanosendamira kuda Jehovha vachiti, ‘Ko Jehovha haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.’
3
Mika 3:4
Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavapinduri; zvirokwazvo achavavanzira chiso chake nenguva iyo, nokuda kwezvakaipa zvavakaita pamabasa avo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo