1
Mateu 26:41
Shona Bible 1949, revised 2002
Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haina simba.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateu 26:38
Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde neni.”
3
Mateu 26:39
Akapfuura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri; kunyange zvakadaro kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”
4
Mateu 26:28
“Nokuti iri iropa rangu rechitenderano chitsva, rakadururirwa vazhinji kuti varegererwe zvivi.”
5
Mateu 26:26
Vakati vodya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokupa vadzidzi vake, achiti kwavari, “Gamuchirai, mudye; uyu muviri wangu.”
6
Mateu 26:27
Akatora mukombe, akavonga, akavapa, achiti, “Inwai mose pauri.”
7
Mateu 26:40
Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Makanga musingagoni seiko kurinda neni awa imwechete?
8
Mateu 26:29
Asi ndinoti kwamuri, “Handichatongonwizve zvibereko zvomudzambiringa, kusvikira zuva iro randachizonwa naro nemi, zvava zvitsva, muushe hwaBaba vangu.”
9
Mateu 26:75
Ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa naJesu, rokuti, “Jongwe risati rakukuridza, uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda panze, akandochema zvikuru.
10
Mateu 26:46
Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.”
11
Mateu 26:52
Zvino Jesu akati kwaari, “Dzosera munondo wako muhara ravo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo