1
Mateu 10:16
Shona Bible 1949, revised 2002
“Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka chenjerai senyoka, mururame senjiva.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateu 10:39
ANowana upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuwana.
3
Mateu 10:28
Musatya vanouraya muviri, asi vasingagoni kuuraya mweya; zvikuru mutye uyo anogona kuuraya mweya nomuviri zvose muGehena.
4
Mateu 10:38
Asingatakuri muchinjikwa wake, akanditevera, haana kufanireni.
5
Mateu 10:32-33
“Mumwe nomumwe achandipupura pamberi pavanhu, neni ndichamupupurawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. “Asi mumwe nomumwe anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
6
Mateu 10:8
Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vanamaperembudzi, budisai mweya yakaipa. Makangopiwa henyu, chingopai henyu.
7
Mateu 10:31
Naizvozvo musatya; munopfuura shiri zhinji.
8
Mateu 10:34
“Musafunga kuti ndakauya kuisa rugare panyika; handina kuuya kuisa rugare, asi kurwa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo