naizvozvo ndakati handifaniri kuuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda wangu achapora. Nokuti neniwo ndiri munhu akaiswa pasi pavamwe, ndinavarwi pasi pangu; kana ndikati kune mumwe, ‘Enda!’ Anoenda; kune mumwe, ‘Uya!’ Anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ anoita.”
Jesu akati achinzwa izvozvo, akashamiswa naye, akatendeuka, akati kuvazhinji vakanga vachimutevera, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsiraeri.”