1
Ruka 10:19
Shona Bible 1949, revised 2002
“Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, napamusoro pesimba rose romuvengi; hakuna chinhu chingatongokukuvadzai.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ruka 10:41-42
Ishe akapindura, akati kwaari, “Marita! Marita! Unofunganya, nokuzvitambudza nezvinhu zvizhinji, asi chinhu chimwe chinodikanwa; nokuti Maria akasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.”
3
Ruka 10:27
Iye akapindura, akati, “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nokufunga kwako kwose, nowokwako sezvaunozvida iwe.”
4
Ruka 10:2
Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vakohwi vashoma; naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti abudise vakohwi mukukohwa kwake.
5
Ruka 10:36-37
“Unofungei, ndoupiko kuna vatatu ava akanga ari wokwake waiye akawirwa namakororo?” Akati, “Ndiye akamuitira ngoni.” Jesu akati kwaari, “Enda, unoita saizvozvo.”
6
Ruka 10:3
Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwayana pakati pamapere.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo