1
Johani 19:30
Shona Bible 1949, revised 2002
Zvino Jesu akati agamuchira vhiniga, akati, “Zvapera!” Akakotamisa musoro wake, akapa Mwari mweya wake.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Johani 19:28
Shure kwaizvozvo, Jesu akati achiziva kuti zvose zvapera, kuti Rugwaro ruitike, akati, “Ndine nyota.”
3
Johani 19:26-27
Zvino Jesu akati achiona mai vake, nomudzidzi waaida, amirepo, akati kuna mai vake, “Mai tarirai, mwana wenyu.” Ipapo akati kumudzidzi, “Tarira mai vako.” Kubva panguva iyo mudzidzi akavatora, akavaisa kumba kwake.
4
Johani 19:33-34
asi vakati vachisvika kuna Jesu, vachiona kuti atofa hake, havana kuvhuna makumbo ake, asi mumwe murwi wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura zvikabuda.
5
Johani 19:36-37
Nokuti izvozvo zvakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti, “Pfupa rake haringavhunwi.” Norumwe Rugwaro runoti, “Vachatarira uyo wavakabowora.”
6
Johani 19:17
akabuda, achitakura muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi, “Dehenya,” nechiHebheru ichinzi, “Gorogota,”
7
Johani 19:2
Varwi vakaruka ndaza yeminzwa, vakaiisa pamusoro wake, vakamupfekedza nguo tsvuku
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo