1
Vatongi 7:2
Shona Bible 1949, revised 2002
Jehovha akati kuna Gidheoni, “Vanhu vaunavo vakawandisa, kuti ndiise vaMidhiani mumaoko avo; kuti vaIsiraeri varege kuzvikudza pamberi pangu, vachiti, ‘Maoko edu ndiwo akatiponesa.’
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Vatongi 7:7
Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, “Ndichakuponesai navarume ava vana mazana matatu vakakapa mvura, nokuisa vaMidhiani muruoko rwako; vanhu vose ngavaende havo, mumwe nomumwe kutende rake.”
3
Vatongi 7:3
Naizvozvo zvino, enda undoparidza vanhu vazvinzwe, uti, ‘Ani naani unotya, unodedera, ngaadzoke hake, abve pagomo reGireadhi.’ ” Vanhu vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri vakadzoka, vakasara vane zviuru zvine gumi.
4
Vatongi 7:4
Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, “Nazvino vanhu vachiri vazhinji, enda navo kumvura ndivaidzepo; zvino kana ndikati kwauri, ‘Uyu anofanira kuenda newe, ndiye uchaenda newe;’ asi kana ndikati kwauri, ‘Uyu haafaniri kuenda newe,’ iye haangaendi.”
5
Vatongi 7:5-6
Ipapo akaenda navanhu kumvura; Jehovha akati kuna Gidheoni, “Mumwe nomumwe unokapa mvura norurimi sezvinokapa imbwa, unofanira kumuisa kurutivi ari oga; saizvozvowo mumwe nomumwe unopfugama pamabvi ake pakunwa.” Zvino vanhu vakanga vakapa, vachiisa maoko avo kumiromo, vakasvika varume vana mazana matatu; asi vamwe vose vakapfugama pamabvi avo pakunwa mvura.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo