1
VaHebheru 10:25
Shona Bible 1949, revised 2002
tisarega kuungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirayirane; zvikuru zvamunoona kuti zuva roswedera.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
VaHebheru 10:24
ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka
3
VaHebheru 10:23
Ngatichengete kwazvo kupupura kwetariro yedu, kuti irege kuzununguka; nokuti iye, akapikira, akatendeka
4
VaHebheru 10:36
Nokuti munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa.
5
VaHebheru 10:22
ngatiswedere nomwoyo wachokwadi, nokutenda kwakasimba, mwoyo yedu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiviri yedu yakashambidzwa nemvura yakanaka.
6
VaHebheru 10:35
Naizvozvo regai kurasha kusatya kwenyu kuno mubayiro mukuru.
7
VaHebheru 10:26-27
Nokuti kana tichitadza tichida kana tambogamuchira nezivo zvechokwadi, hakuna chine chibayiro pamusoro pezvivi, asi kungomirira tichitya kutongeswa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo