Ndikatarira, ndikaona dutu remhepo richibva kurutivi rwokumusoro, riri gore guru rinomoto wairamba uchipenya, rakakomberedzwa nokubwinya, nomukati maro, imo mukati momoto, mune chinhu chaipenya sedare.
Zvino mukati mazvo mukabuda zvakanga zvakaita sezvipenyu zvina. Zvakanga zvakadai: Zvakanga zvakafanana nomunhu; chimwe nechimwe chaiva nezviso zvina, nechimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro mana. Makumbo azvo akanga akarurama, pasi petsoka dzadzo pakanga pakaita sapasi petsoka dzemhuru; dzaipenya sendarira yakabwinyiswa. Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo kumativi azvo mana; zvose zviri zvina zvakanga zvakadai pazviso zvazvo namapapiro azvo: Mapapiro azvo akanga akabatana; hazvina kutsauka pakufamba kwazvo, asi chimwe nechimwe chairuramira mberi pakufamba kwacho.