1
Ekisodho 13:21-22
Shona Bible 1949, revised 2002
Jehovha akavatungamirira masikati neshongwe yegore rokuvaperekedza panzira, usiku neshongwe yomoto yokuvavhenekera, kuti vafambe masikati nousiku. Shongwe yegore yakanga isingabvi pamberi pavanhu masikati, kana shongwe yomoto usiku.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ekisodho 13:17
Zvino Farao akati aregedza vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvafambisa nenzira yapanyika yavaFirisitia, kunyange yaiva pedyo, nokuti Mwari akati, “Zvimwe vanhu vangazvidemba, kana vachiona kurwa, vakadzokera Ijipiti;”
3
Ekisodho 13:18
asi Mwari akapotesa vanhu nokure, nenzira yokurenje rapaGungwa Dzvuku; vana vaIsiraeri vakabuda panyika yeIjipiti vakashonga nhumbi dzokurwa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo