1
Dhuteronomi 7:9
Shona Bible 1949, revised 2002
Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako, ndiye Mwari, Mwari wakatendeka, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirairo yake kusvikira kumarudzi ane chiuru chamazana
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Dhuteronomi 7:6
Nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha Mwari wako wakakutsaura kuti uve rudzi rwake chairwo pakati pendudzi dzose dziri panyika dzose.
3
Dhuteronomi 7:8
Asi nokuti Jehovha unokudai, uye nokuti wakanga achida kusimbisa kupika kwaakapikira madzibaba enyu, nokuda kwaizvozvo Jehovha wakakubudisai neruoko rune simba, akakudzikinurai paimba youranda paruoko rwaFarao, mambo weIjipiti.
4
Dhuteronomi 7:7
“Jehovha haana kukudai, kana kukutsaurira, nokuti makanga makapfuura dzimwe ndudzi nokuwanda; nokuti imi makanga muri vashoma kundudzi dzose.
5
Dhuteronomi 7:14
Ucharopafadzwa iwe kupfuura dzimwe ndudzi dzose; hapangavi pakati penyu murume kana mukadzi asingabereki, kana pakati pezvipfuwo zvenyu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo