1
Dhanieri 1:8
Shona Bible 1949, revised 2002
Asi Dhanieri akatsunga mumwoyo make kuti haangazvin’orese nezvokudya zvamambo kana newaini yaainwa; saka akakumbira kune muchinda wavaranda kuti arege kuzvin’oresa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Dhanieri 1:17
Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanieri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa naMwari nezvairotwa.
3
Dhanieri 1:9
Zvino Mwari akanzwisa Dhanieri unyoro netsitsi pamberi pomuchinda wavaranda.
4
Dhanieri 1:20
Pamashoko ose ouchenjeri nookunzwisisa, avaibvunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuura kagumi vachenjeri vose nen’anga dzose dzaiva paushe hwake.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo