1
2 Timoti 4:7
Shona Bible 1949, revised 2002
Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 Timoti 4:2
paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; rayira, tuka, ranga nomwoyo murefu zvikuru nokudzidzisa.
3
2 Timoti 4:3-4
Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachazviunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo, vachifuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitsaukira kungano.
4
2 Timoti 4:5
Asi iwe svinura pazvinhu zvose, tambudzika, bata basa romuvhangeri, upedzise basa rako kwazvo.
5
2 Timoti 4:8
kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama, yandichapiwa naIshe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vakada kuonekwa kwake.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo