1
2 Madzimambo 6:17
Shona Bible 1949, revised 2002
Zvino Erisha akanyengetera, akati, “Jehovha, svinudzai henyu meso ake, awone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso ejaya, akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 Madzimambo 6:16
Iye akapindura, akati, “Usatya hako, nokuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.”
3
2 Madzimambo 6:15
Zvino muranda womunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, “Haiwa! Tenzi wangu, tichadiniko?”
4
2 Madzimambo 6:18
Zvino vakati vachiburukira kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha, akati, “Dorovai vanhu ava noupofu.” Jehovha akavarova noupofu, sezvakanga zvarehwa naErisha.
5
2 Madzimambo 6:6
Munhu waMwari akati, “Yawirepiko?” Akamuratidza payakanga yawira. Erisha akatema rutanda, akarukandirako, akapapamadza demo.
6
2 Madzimambo 6:5
Asi mumwe wakati achitema danda, demo ndokuwira mumvura; akadanidzira, achiti, “Haiwa! Tenzi wangu! Nokuti rakanga rakumbirwa.”
7
2 Madzimambo 6:7
Akati, “Chiritora hako.” Iye akatambanudza ruoko rwake, akaritora.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo