1
1 Madzimambo 19:12
Shona Bible 1949, revised 2002
Kudengenyeka kwenyika kwakati kwapfuura, moto ukatevera; asi Jehovha wakanga asiri mumoto; moto wakati wapfuura, kufefetera kwokudzikama kukavapo.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 Madzimambo 19:4
Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.”
3
1 Madzimambo 19:11
Iye akati, “Enda, undomira pagomo pamberi paJehovha.” Zvino Jehovha akapfuurapo, mhepo huru ine simba ikapamura makomo, ikaputsanya mabwe pamberi paJehovha; asi Jehovha wakanga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuura, kudengenyeka kwenyika kukavapo; asi Jehovha wakanga asiri mukudengenyeka kwenyika.
4
1 Madzimambo 19:13
Zvino Eria wakati achizvinzwa, akafukidza chiso chake nenguo yake, akabuda, akandomira pamuromo webako. Ipapo izwi rikasvika kwaari, rikati, “Unobateiko pano, Eria?”
5
1 Madzimambo 19:9
Akapindapo mubako, akagarapo. Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, rikati, “Unobateiko pano Eria?”
6
1 Madzimambo 19:8
Akasimuka, akadya, akanwa, akafamba asimbiswa nezvokudya izvo, mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana kusvikira paHorebhu, pagomo raMwari.
7
1 Madzimambo 19:5
Akavata pasi, akavata hope pasi pomurara. Zvino mutumwa akamugunzva, akati kwaari, “Simuka, udye.”
8
1 Madzimambo 19:7
Mutumwa waJehovha akasvikazve rwechipiri, akamugunzva, akati, “Simuka, udye, nokuti uchakundwa norwendo.”
9
1 Madzimambo 19:10
Iye akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo, nokuti vana vaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, nokuuraya vaporofita venyu nomunondo; ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.”
10
1 Madzimambo 19:6
Akatarira, akaona pedyo nomusoro wake chingwa chiduku chakanga chagochwa pamazimbe, nechirongo chemvura. Akadya, akanwa, akavata pasizve.
11
1 Madzimambo 19:2
Ipapo Izebheri akatuma nhume kuna Eria, akati, “Vamwari ngavandirove, ngavarambe vachidaro, kana ini ndikasafananidza upenyu hwako noupenyu hwomumwe wavo mangwana nenguva ino.”
12
1 Madzimambo 19:18
Kunyange zvakadaro ndichasiya pakati paIsiraeri zviuru zvinomwe zvavanhu vasina kupfugamira Bhaari namabvi avo, vasina kumutsvoda nemiromo yavo.”
13
1 Madzimambo 19:19
Naizvozvo akabvapo, akandowana Erisha mwanakomana waShafati, wakanga achirima nenzombe dzakasungwa pamajoko ane gumi namaviri, iye ari pajoko regumi namaviri; Eria akapfuura nokwaari, akakanda nguo yake pamusoro pake.
14
1 Madzimambo 19:21
Akadzoka pakumutevera, akatora nzombe dzejoko iro, akadzibaya, akagocha nyama yadzo achiita nhumbi dzadzo huni, ndokupa vanhu, ivo vakadya. Zvino wakasimuka, akatevera Eria, akamubatira.
15
1 Madzimambo 19:20
Iye akasiya nzombe, akamhanya achitevera Eria, akati, “Nditenderei henyu ndimbondotsvoda baba vangu namai vangu, ndigokuteverai.” Iye akati kwaari, “Chidzoka hako, nokuti ndakuiteiko?”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo