1
Ɀakazarurwa 19:7
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋgatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana weGwaiana waȿika, mukadzi waro waɀigadzira.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ɀakazarurwa 19:16
Paŋguʋo yake napacidɀa cake pakaŋga pakanyorwa zita rinoti: MAMBO WAMADZIMAMBO, NASHE WAMADZISHE.
3
Ɀakazarurwa 19:11
Ipapo ndakaʋona kuɗeŋga kwakazarurwa, ndikaʋona biza jena; naiye wakaŋga agere pamsoro paro wakanzi: Wakatendeka noWaɀokwaɗi; unotoŋga nokurwa ɀakarurama.
4
Ɀakazarurwa 19:12-13
Meso ake akaŋga akaita somuraɀo womŋoto; pamusoro wake pakaŋga panekorona zhinji; wakaŋga anezita rakanyorwa, risina‐kuzikanwa nomunhu, asi naiye ɓedzi. Wakaŋga akapfeka ŋguʋo yakanyikwa muropa; zita rake rinonzi Shoko raMŋari.
5
Ɀakazarurwa 19:15
Mumuromo make makaɓuɗa munondo unopinza, kuti aroʋe marudzi nawo; ucaafudza netȿimbo yeɗare; unotsika ciȿiniro cehasha dzokutsamŋa kwaMŋari wamasimba ose.
6
Ɀakazarurwa 19:20
Ipapo cikara cakaɓatwa pamŋe cete nomuprofita wenhema, wakaita ɀiratidzo pamberi paco, ɀaakanyeŋgera naɀo ʋaya ʋakapiwa ciratidzo cecikara, naʋainamata mufananidzo waco. Aʋa ʋaʋiri ʋakakandirwa ʋari ʋapenyu mugomba romŋoto unopfuta nesurferi.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo