1
Mapisarema 42:11
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unoshuwireiko, mŋeya waŋgu? Unoshaiwa rugare neiko mukati maŋgu? Tarira kunaMŋari; nokuti ndicazomurumbidza haŋgu, Iye muponesi weciso caŋgu, NaMŋari waŋgu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 42:1-2
Senondo inotakwairira hoʋa dzemvura, Saiɀoɀo mŋeya waŋgu unokutakwairirai imi Mŋari. Mŋeya waŋgu unenyota kunaMŋari, iye Mŋari mupenyu: Ndicaȿika riniko ndiʋonekwe NaMŋari?
3
Mapisarema 42:5
Unoshuwireiko, mŋeya waŋgu? Unoshaiwa rugare neiko mukati maŋgu? Tarira kunaMŋari; nokuti ndicazomurumbidza haŋgu, Nokuɗa kwokuponesa kweciso cake.
4
Mapisarema 42:3
Misodzi yaŋgu ɀakaŋga ɀiri ɀokudya ɀaŋgu masikati noʋusiku, Pakutaura kwaʋo zuʋa rose kwandiri ʋaciti: Mŋari wako uripiko?
5
Mapisarema 42:6
Haiwa Mŋari, mŋeya waŋgu unoshuwa mukati maŋgu; Naiɀoɀo ndinokuraŋgarirai ndiri panyika yaJoridani, Napamakomo eHermoni, necikomo ceMizari.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo