Neŋguʋa iyo akaporesa ʋazhinji hosha dzaʋo, noʋurwere, nemŋeya yakaipa; namapofu mazhinji wakaaȿinudza. Akapindura, akati kwaʋari: Endai, mundoʋudza Johane ɀamakaʋona neɀamakanzwa; ɀokuti, mapofu anoʋona, ʋanokamhina ʋanofamba, ʋanamaperembudzi ʋanonatswa, ʋematsi ʋanonzwa, ʋakafa ʋanomutswa, naʋarombo ʋanoparidzirwa Evaŋgeri.