Ipapo Jobo akasimuka, akabvarura ŋguʋo yake, akaʋeʋura musoro wake, akaɀiwisira pasi, akanamata, akati: Ndakaɓuɗa mumimba mamai ʋaŋgu ndiri mushwi, ndicadzokera’po ndiri mushwi; Jehova wakapa, Jehova wakatora, zita raJehova ŋgarikudzwe. Paɀinhu iɀi ɀose Jobo haana‐kutadza, haana‐kuti Mŋari wakaita noʋupenzi.