1
Ʋatoŋgi 16:20
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
SUB1949
Akati: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Ipapo Samsoni akapepuka pahope dzake, akati: Ndicaɓuɗa ŋguʋa ino ʋo sapanedzimŋe ŋguʋa, ndikaɀisunuŋgura; asi wakaŋga asiŋgaziʋi kuti Jehova wakaŋga abva kwaari.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ʋatoŋgi 16:28
Ipapo Samsoni akaɗana kunaJehova akati: Ishe Mŋari, ndiraŋgarirei henyu, ndisimbisei henyu ŋguʋa ino ɓedzi, imi Mŋari, nditsiʋirwe meso aŋgu maʋiri kuʋaFiristia.
3
Ʋatoŋgi 16:17
Akamuʋudza nomŋoyo wake wose akati kwaari: Musoro waŋgu hauna‐kutoŋgoʋeʋurwa neciȿo, nokuti ndiri muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu; kana ndikaʋeʋurwa, simba raŋgu ricabva kwandiri, ndiŋgashaiwa simba, ndikaita somumŋe munhu.
4
Ʋatoŋgi 16:16
Ɀino wakati aciŋgomutambudza mazuʋa ose namashoko ake, acimugombedzera, mŋoyo wake ukanetswa kuȿikira pakufa.
5
Ʋatoŋgi 16:30
Ipapo Samsoni akati: Ŋgandife haŋgu pamŋe cete naʋaFiristia. Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamsoro pamadzishe, napamsoro paʋanhu ʋaiʋa’mo. Naiɀoɀo ʋakafa ʋaakaʋuraya pakufa kwake, ʋakaŋga ʋari ʋazhinji kunaʋakaʋurawa naye aciri mupenyu.