1
Genesi 9:12-13
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Mŋari wakati: Ndico ciratidzo cesuŋgano yandinoita pakati paŋgu nemi neɀipenyu ɀose ɀinemi kuȿikira kumarudzi asiŋgaperi: Ndinoisa muraraʋuŋgu waŋgu mugore, kuti ciʋe ciratidzo cesuŋgano pakati paŋgu nenyika.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Genesi 9:16
Muraraʋuŋgu ucaʋa’po mugore; ndicautarira, kuti ndiraŋgarire suŋgano isiŋgaperi pakati paMŋari neɀipenyu ɀose ɀenyama ɀiri panyika.
3
Genesi 9:6
Aninani unoteʋura ropa romunhu, ropa rake ricateʋurwa ʋo nomunhu; nokuti Mŋari wakaita munhu nomufananidzo wake.
4
Genesi 9:1
Ɀino Mŋari wakaropafadza Noa naʋanakomana ʋake, akati kwaʋari: Ƃerekai, muwande, muzadze nyika.
5
Genesi 9:3
Ɀose ɀinofamba ɀipenyu ɀicaʋa ɀokudya ɀenyu; ndinokupai ɀose, seɀandakakupai miriʋo mitema.
6
Genesi 9:2
Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzeɗeŋga, dzicakutyai nokukuvundukai; ɀose ɀinokambaira pasi, nehoʋe dzose dzeguŋgwa, ɀinoiswa pamaʋoko enyu.
7
Genesi 9:7
Asi imi ɓerekai, muwande; ɓerekai ɀikuru panyika, muwande mukati mayo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo