1
Genesi 41:16
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Josefa akapindura Farao, akati: Kwete, handizi’ni; Mŋari ndiye uŋgapa Farao ɗudziro yorugare.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Genesi 41:38
Farao akati kuʋaranda ʋake: Ko tiŋgawana mumŋe munhu wakafanana noyuyu, unomŋeya waMŋari maari here?
3
Genesi 41:39-40
Farao akati kunaJosefa: Mŋari ɀaakakuratidza iɀoɀo ɀose, hapanomunhu wakaŋgwara, wakacenjera sewe; ndiwe ucaʋa muɓati weimba yaŋgu; ʋanhu ʋaŋgu ʋose ʋacarairwa neshoko rako; asi pacigaro caŋgu coʋushe ndi’po pandicaʋa mukuru kwauri.
4
Genesi 41:52
Zita rowecipiri wakaritumidza Efraimi, aciti: Nokuti Mŋari wakandiɓerekesa ʋana panyika yokutambudzika kwaŋgu.
5
Genesi 41:51
Josefa akatumidza weɗaŋgwe zita rinonzi Manase, aciti: Nokuti Mŋari wakandikaŋganwisa kutambudzika kwaŋgu kwose, neimba yaɓaɓa ʋaŋgu yose.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo