ʋana ʋaIsraeri ʋakati kwaʋari: Tiŋgaɗai takafira heɗu munyika yeEgipita noruʋoko rwaJehova, tigere heɗu pahari dzenyama, ticidya ɀiŋgwa ticiguta; nokuti matiɓuɗisira kurenje iri, kuti muʋuraye ʋuŋgano iyi yose nenzara. Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tarira, ndicakunisirai ciŋgwa cinobva kuɗeŋga; ʋanhu ʋacafanira kuɓuɗa kundoɀiʋuŋganidzira ciyero cinoriŋgana zuʋa rimŋe nerimŋe, ndiʋaidze ndiʋone kana ʋaciɗa kuterera murairo waŋgu, kana kwete.