1
Deuteronomio 28:1
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana uciterera ɀakanaka inzwi raJehova Mŋari wako, nokucenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehova Mŋari wako ucakukurisa kupfuʋura ndudzi dzose dziri panyika.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Deuteronomio 28:2
Kuropafadzwa uku kwose kucaitika kwauri, ucateʋererwa nako, kana uciterera inzwi raJehova Mŋari wako.
3
Deuteronomio 28:13
Jehova ucakuita musoro, haaŋgakuiti muswe; ucaʋa kumsoro ɓedzi, hauŋgaʋi pasi; kana uciterera mirairo yaJehova Mŋari wako, yandinokuraira nhasi, ucishiŋgaira kuiita
4
Deuteronomio 28:12
Jehova ucakuzarurira fuma yake yakanaka yokuɗeŋga, akupe mvura yenyika yako neŋguʋa yayo; nokuropafadza maɓasa ose amaʋoko ako; iwe ucapa ndudzi zhinji cikwerete, asi iwe umene hauŋgatori cikwerete.
5
Deuteronomio 28:7
Jehova ucakukundisa ʋaʋeŋgi ʋako, ʋanokumukira, pamberi pako; ʋacaʋuya kuzorwa newe nenzira imŋe, ʋacatiza pamberi pako nenzira nomŋe.
6
Deuteronomio 28:8
Jehova ucaraira kuti uropafadzwe pamatura ako, napaɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako; ucakuropafadza panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako.
7
Deuteronomio 28:6
Ucaropafadzwa kana ucipinda, ucaropafadzwa kana uciɓuɗa.
8
Deuteronomio 28:3
Ucaropafadzwa muguta, ucaropafadzwa mumunda.
9
Deuteronomio 28:4
Ɀiɓereko ɀomuʋiri wako, neɀiɓereko ɀevu rako, neɀiɓereko ɀeŋombe dzako, neɀiɓereko ɀemhou dzako, namakwaiana amakwai ako, ɀicaropafadzwa.
10
Deuteronomio 28:9
Jehova ucakusimbisa, kuti uʋe rudzi rwake rutȿene, seɀaakakupikira; kana uciceŋgeta mirairo yaJehova Mŋari wako, nokufamba munzira dzake.
11
Deuteronomio 28:5
Ƌeŋgu rako, nomudziyo wako wokukanyira ciŋgwa, ɀicaropafadzwa.
12
Deuteronomio 28:11
Jehova ucakuwanzira mufaro paɀiɓereko ɀomuʋiri wako, napaɀiɓereko ɀeŋombe dzako, napaɀiɓereko ɀevu rako, panyika yakapikirwa madziɓaɓa ako naJehova, kuti ucakupa iyo.
13
Deuteronomio 28:10
Ʋanhu ʋose ʋenyika ʋacaʋona kuti iwe wakatumidzwa nezita raJehova; ʋacakutya.
14
Deuteronomio 28:14
usiŋgatsauki panerimŋe ramashoko andinokuraira, kurudyi kana kuruɓoshwe, uciteʋera ʋamŋe ʋamŋari kuti uʋashumire.
15
Deuteronomio 28:15
Asi kana uciramba kuterera inzwi raJehova Mŋari wako kuti ucenjere kuita mirairo yake yose, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi; kutukwa uku kwose kucaitika kwauri, ucateʋererwa nako.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo