Haiwa, Mŋari waŋgu, rerekerai nzeʋe yenyu, munzwe; ȿinudzai meso enyu, muʋone kuparadzwa kweɗu, neguta rakatumidzwa zita renyu; nokuti hatiȿitsi mikumbiro yeɗu pamberi penyu nokuɗa kweɀakarurama ɀeɗu, asi nokuɗa kwenyasha dzenyu huru. Haiwa, Ishe, inzwai; Ishe, kaŋganwirai; Ishe, tererai, muite; regai kunonoka, nokuɗa kwenyu, imi Mŋari waŋgu, nokuɗa kweguta renyu naʋanhu ʋenyu ʋakatumidzwa zita renyu.