1
I Timotio 6:12
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, uɓatisise ʋupenyu bgusiŋgaperi, bgawakaɗanirwa kwabguri, ukapupura kupupura kwakanaka pamberi peɀapupu ɀizhinji.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
I Timotio 6:10
Nokuti kuɗa mari ndiwo mudzi weɀakaipa ɀose; ʋamŋe ʋakati ʋaciiɗa ɀikuru ʋakatsauswa pakutenda, ʋakaɀiɓaya neshuŋgu zhinji.
3
I Timotio 6:6
Ɀino kunamata Mŋari pamŋe cete nokutenda neɀatinaɀo ndiɀo ɀinofumisa kwaɀo
4
I Timotio 6:7
nokuti hatina‐kuʋuya necinhu panyika, hatigoni ʋo kuɓuɗa tinecinhu
5
I Timotio 6:17
Raira ʋafumi panyika yaɀino, kuti ʋarege kuɀikudza, kana kuʋimba nefuma isiŋgagari, asi naMŋari, unotipa ɀose aciwanza, kuti tifare naɀo
6
I Timotio 6:9
Asi ʋanotȿaka kufuma, ʋanowira mukuidzwa nomumusuŋgo, nomukuciʋa kwoʋupenzi kuzhinji kunokuʋadza, ɀinonyudza ʋanhu mukuparadzwa nokurashwa.
7
I Timotio 6:18-19
kuti ʋaite ɀakanaka, ʋaʋe ʋafumi pamaɓasa akanaka, ʋafarire kupa ʋamŋe, nokugoʋana; ʋaɀiroŋgedzere nheyo dzakanaka dzeŋguʋa inoʋuya, kuti ʋaɓatisise ʋupenyu caibgo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo