1
I Makoronike 29:11
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋukuru ndobgenyu, Jehova, nesimba, nokubginya, nokukunda, noʋumambo; nokuti ɀose ɀiri kuɗeŋga neɀiri pasi nde‐ɀenyu; ʋushe ndobgenyu, Jehova, makakudzwa muri musoro weɀose.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
I Makoronike 29:12
Fuma nokukudzwa ɀinobva kwamuri, imi munoɓata ʋushe pamsoro peɀose; paruʋoko rwenyu panesimba noʋushe; ruʋoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa ʋose simba.
3
I Makoronike 29:14
Asi ini ndini ani, naʋanhu ʋangu cinyiko, ɀatiŋgagona kupa nomŋoyo wose kuɗai? Nokuti ɀose ɀinobva kwamuri, takaŋgokupai ɀakabva paruʋoko rwenyu.
4
I Makoronike 29:13
Saka ɀino Mŋari weɗu, tinokuʋoŋgai nokurumbidza zita renyu rinobginya.
5
I Makoronike 29:10
Ɀino Davidi akakudza Jehova pamberi peʋuŋgano yose; Davidi akati: Imi mukudzwe, Jehova, Mŋari waIsraeri ɓaɓa ʋeɗu nokusiŋgaperi.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo