Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateo 1:23
Runyararo Muzvose: Kugamuchira Zororo raJesu Kisimusi Ino
Mazuva mashanu
Mwaka werufaro, asi unogona kuvenguva yebishi. Huyai kwechinguvana chezororo nerumbidzo chinova ndicho chichakupai simba mumafaro nemumabasa emwaka uyu. Kubva mubhuku Unwrapping the Names of Jesus: An Advent Devotional, tine chiverengwa nekuzvipira kunaMwari kwemazuva mashanu. Hurongwa uhu hunokusvitsai pakugamuchira kuzorora munaJesu paKisimusi ino kuburikidza nekutora zvinguvana zvekurangarira Kunaka kwaMwari, Kumuratidza Kuti Munoda Rubatsiro Rwake, Kutsvaka Runyararo Rwake, uye Kuvimba Mukutendeka Kwake.
Chiwanikwa: Nhoroondo yaMwari kubva kumavambo kusvika panaKristu
13 Mazuva
Bhaibheri irondedzero yaMwari maererano nemarudzi evanhu - Asi mumabhuku makumi matanhatu nematanhatu, nemazwi akawanda evatauri munguva dzakasiyana, hazvisi nyore kukuvanidza nyaya iyi kuva chinhu chimwe. Mwari vari kumboti kudini? Muchidzidzo chiri pano uchatevera ndima dzakakosha gumi nenhatu kubvira pakusikwa kwazvose dzamara kuna Kristu, tichivhendenyura rudingindira rwenhoroondo dzemubhaibheri. Waranura kudonha kwakaita rudzi rwemunhu, nekuvarira kwaMwari kudzosa kuyanana.